Joshua naKarebhu vaiva nekutenda kwakasimba muchipikirwa chaMwari.
Kunyange zvazvo maiva nehofori muKenani yakanga yavimbiswa naMwari, Joshua naKarebhu vakatenda nechivimbo kuti zvirokwazvo Mwari aizovapa Kenani.
SaKarebhu uyo asina kuzeza kuenda kunokunda nyika yechipikirwa kunyange pazera remakore 85, munguva ino, tinofanirawo kutarisira denga nekutenda kwakafanana nekwaJoshua naKarebhu.
Kungofanana naMwari aiva naJoshua naKarebhu murwendo rwavo rwekuenda kuKenani, nhasi, tinonzwa kuti Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vanogara vachivhura nzira kuti vhangeri reKereke yaMwari rizaruke nokukurumidza pasi rose.
“Hakuna mumwe wenyu achapinda munyika yandakakupikirai noruoko rwakasimudzwa kuti uve musha wenyu, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.”
Numeri 14:30
Zvino shure kwokufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akataura naJoshua mwanakomana waNuni, muranda waMozisi achiti,
“ . . . Simba utsunge mwoyo, nokuti uchatungamirira vanhu ava kuti vatore nyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndivape senhaka yavo. . . .
nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.”
Joshua 1:1–9
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy