Chikonzero chinoita kuti vanhu vatye Mwari uye vararame upenyu hwakarurama maererano nedzidziso dzaMwari ndechokuti vafare nokusingaperi muumambo husingaperi hwokudenga, hwakavimbiswa naMwari.
Ndokusaka apostora Pauro akati akamhanyira vavariro yokutenda—ruponeso rwemweya.
Kuti atitungamirire kuruponeso rwemweya yedu, chinangwa chekutenda kwedu, Kristu Ahnsahnghong akauya pasi pano kechipiri panyama akadzoreredza sungano itsva yePasika, iyo yakanga yaputswa muna AD 325.
Nokutevera dzidziso yokuti Mweya Mutsvene waMwari haugoni kugara matiri pasina Pasika, vatendi veKereke yaMwari pasi rose vanochengeta Pasika iri tsvene.
Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. . . nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. 1 Petro 1:7–9
Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. 1 Johani 5:11
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy