Sekugadzirwa kwakaitwa zviringazuva kuti tione kufamba kwenguva kusingaoneki, tinogona kuona mutongo wekuenda kudenga kana kugehena munyika isingaoneki yepamweya kubudikidza neBhaibheri. Sezvo Jesu, uyo akauya sechiedza, akauya murudzi rwaMerikizedheki, vateveri vake, vatendi veKereke yaMwari, vanochengetawo Pasika yesungano itsva uye vanotevera dzidziso dzake.
Zviuru zviviri zvemakore apfuura, vanhu vakapatsanurwa kuita mapoka maviri—avo vaitenda muna Jesu akauya panyama saMuponesi wavo neavo vasina kutenda, uye munguva yaMweya Mutsvene, mune avo vanotenda muna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, vakauya saMweya noMwenga, uye neavo vasingatendi.
Bhaibheri rinotaura kuti kutonga kwaMwari kwakagara kwatotarwa, zvichibva pakutenda uku.
“Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa. Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena. Asi ani naani anorarama muchokwadi anouya muchiedza, kuitira kuti zvaakaita zvionekwe pachena kuti zvakaitwa kubudikidza naMwari.”
Johani 3:19–21
Iyi ndiyo mharidzo yatakanzwa kwaari uye yatinoparidza kwamuri kuti: Mwari ndiye chiedza; maari hamuna rima zvachose.
1 Johani 1:5
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy