Mwari akapa vanhu vose nguva yokutendeuka pazvivi zvavo zvakaitwa kudenga pamwechete nomukana wokutenda muna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya panyama. Mushure maizvozvi, maererano nemabasa emunhu oga oga, Mwari achaparadzanisa avo vachaenda kudenga nevachatongwa.
Pakati pevachatongwa, pane varume vakaita saJudhasi Iskarioti akatengesa Jesu nokuda kwemuono usina kururama, uye vaprofita venhema vakaita saBharamu akasundira vanhu vaMwari mukunamata zvifananidzo nezano rake rakaipa, uyewo vanhu vakaparadza chokwadi chaMwari ndokunamata chimwari chezuva kubudikidza nemirau yakaita sekunamata nemusi weSvondo neKisimusi sezvakangoita Mambo Ahabhu naJezebheri avo vakatora munda waNabhoti wemizambiringa.
“Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.”
Numeri 31:16
“Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.”
Zvakazarurwa 2:14
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy