Muupenyu hwedu, mune zviitiko zvizhinji zvakasiyana-siyana, zvakaita sekuita mabasa akasiyana-siyana uye kukudziridza ruzivo. Zvisinei, pekupedzisira, apo chete tinowana Mweya noMwenga, Baba Ahnsahnghong naMwari Mai, ndipo patinokwanisa kugamuchira mvura yeupenyu, kuregererwa zvivi zvedu, uye kudzokera kumusha wedu wokusingaperi, umambo hwekudenga.
Bhaibheri, rinova bhuku rezviprofita zvakanyorwa neavo vakasundwa neMweya Mutsvene, rinoprofita kuti Mwari, Chiedza cheChokwadi, achauya panyika yakafukidzwa nerima uye achaponesa vanhu uye kuti Satani wemubindu reEdheni, uyo anopikisa Mwari Mai, achatarisana nokuparadzwa.
“Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Genesisi 3:15
Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu. Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa. . . .
Zvakazarurwa 12:17–13:1
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy