Apo vaIsraeri vakasunungurwa kubva muuranda muIjipiti, apo vakapinda munyika yechipikirwa yeKenani, apo Mambo Josia naMambo Hezekia, avo vainamata zvifananidzo, vakadzokera kuna Mwari, uye kunyange apo vaIsraeri vakanga vasunungurwa kubva muutapwa, Pasika yakanga iri mwongo wazvose. Kufanana nenguva idzodzo, basa raMwari reruponeso riri kuzadziswa kubudikidza nePasika nhasi.
Zviuru zviviri zvemakore apfuura, Pasika yesungano itsva, iyo Jesu aidisa kwazvo kuchengeta nevadzidzi vake, yakaputswa muna AD 325 nokuda kwekubatana kwechitendero nezvematongerwe enyika ndokunyangarika murima; zvisinei, sezvakaprofitwa, Kristu Ahnsahnghong akauya akatanga basa reruponeso kubudikidza nePasika.
Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.”
Ruka 22:15
Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?” Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ”
Mateo 26:17–18
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy