Mambo Asa naMambo Jehoshafati vakachengeta zvirevo nomurairo waMwari vakatendeka, vakaparadza zvifananidzo zvose, uye vakatonga vanhu vavo noumambo hwavo nechivimbo chisingazununguki chokuti zvose zvaizofamba zvakanaka chero bedzi vaina Mwari. Somugumisiro, Mwari akapa nyika yavo rugare, uye akavapa maropafadzo anopfachukira nokubwinya.
Kuburikidza nenhoroondo yakanyorwa muBhaibheri, Mwari akaratidza vanhu nzira yekuwana maropafadzo Ake. Hatifaniri kuita chivi chekutsvaga rubatsiro kumarudzi ane simba tichitadza kutsvaka Mwari, sezvakaita Asa mumakore ake ekupedzisira. Hatifaniriwo kubatana nevaya vanoita zvakaipa kana kuita chero chirongwa pamwe chete navo, sezvakaita Jehoshafati. Zvinodaro nekuti patinokanganwa Mwari toisa chivimbo chedu muvanhu nemamiriro ezvinhu akatipoteredza, Iye anotitorera maropafadzo Ake.
Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa. Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo. Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose. Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose. 2 Makoronike 15:10–15
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy