VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, Mwari akatanga kuzivisa simba rePasika, uye akazivisa Pasika kubudikidza nemurayiro waMozisi, achivarayira kuichengeta kwezvizvarwa zvaizouya panguva yakatarwa. Nokufamba kwenguva, vanhu vaMwari vakarumbidzwa ndokudzivirirwa panjodzi mushure mokuchengeta Pasika, uye Jesu akachengetawo Pasika navadzidzi vake achivapa maropafadzo eupenyu husingaperi.
Sezvo Pasika yakaputswa muna AD 325, kereke dzese dzanga dzichichengeta tsika dzechimwari chechihedheni. Zvisinei, vatendi veKereke yaMwari vanoziva kukosha kwePasika, iyo Mwari akarayira vanhu vake kuti vapemberere kuzvizvarwa zvaizouya, kubudikidza nedzidziso dzaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, uye vanoichengeta.
Mambo akarayira vanhu vose akati, “Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika sezvazvakanyorwa muBhuku iri reSungano.” . . . Hapana kumbova namambo akaita saJosia kuna vakamutangira kana vakamutevera, akatendeukira kuna Jehovha nomwoyo wake wose, nomweya wake wose, uye nesimba rake rose, sezvaakaita achitevera Murayiro wose waMozisi.
2 Madzimambo 23:21–25
Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ” Saka vadzidzi vakaita sokurayirwa kwavakanga vaitwa naJesu vakandogadzira Pasika.
Mateo 26:18–19
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy