Kungofanana nehove dzinonzi salmon uye nehangaiwa dzinogona kudzokera kumba kwadzo zvisinei nekuti dzaenda kure zvakadini, Mwari akati, “Ndichaisa murayiro wangu mumwoyo yavo,” uye akaisa murayiro wesungano itsva mumwoyo yevanhu kuti vagokwanisa kudzokera kumusha wavo wokusingaperi kudenga.
Makore zviuru zviviri apfuura, Jesu akadyara mbeu yakanaka [zuva reSabata nePasika] kuti ape vanhu umambo hwekudenga. Zvisinei, mbeu dzakanaka dzakazotsakatika uye panzvimbo padzo pakava nemasawi, kureva kuti, mitemo yevanhu yakadyarwa nomuvengi, dhiabhori. Zvisinei neizvi, vana vaMwari havambokanganwi sungano itsva yakanyorwa pamweya yavo asi vanoiziva nemwoyo yavo, uye vanouya kuna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, avo vanovatungamirira kuumambo hwekudenga, unova musha wemweya yavo.
“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. . . . “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”
Jeremia 31:31–33
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy