Mwari akavimbisa kutigadza semadzimambo muumambo hwekudenga. Kuti vanhu vafambe munzira yakarurama semadzimambo maererano nokuda kwaMwari, chinodiwa ndiko kutenda kwekuita zvinhu maererano nemashoko ake, kwete nemaonero evanhu asi mumaonero aMwari.
Makwara ose aiita seanonetsa, akaoma, uye anotambudza pakuona kwevanhu anenge akazadzwa nerudo nemaropafadzo kana achionekwa mumaonero aMwari. Naizvozvo, vatendi veKereke yaMwari vanofamba mugwara rekutenda, vachitora dingindira remuBhaibheri rekuti, “Teverai kwose kunotungamirirwa naMwari,” musimboti wavo mukuru unovatungamirira.
“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.”
Isaya 55:8–9
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy