Mwari akadana kereke inochengeta mitambo
Yake kuti Zioni.
Kereke yoga inochengeta mitambo
yaMwari yakanyorwa muBhaibheri—Sabata,
Pasika, Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso,
Mutambo weZvibereko Zvekutanga, Zuva
rePendekosti, Mutambo weHwamanda, Zuva
Rokuyananisira, neMutambo waMatumba—
iKereke yaMwari.
Jesu akavamba sungano itsva neropa rake
rinokosha, kwete neropa remhuka maererano
neMutemo waMozisi.
Akatidzidzisawo kuti nzvimbo inochengeterwa
mitambo yesungano itsva iZioni umo
ruponeso rwevanhu rwunopihwa.
Zvisinei, mitambo yesungano itsva
yakanyangarika muNguva yeRima,
uye Zioni ikaparadzwa.
Mazuvano, Kristu Ahnsahnghong
akavakazve Zioni yakanga yaparadzwa.
Nokuti Jehovha achavakazve Zioni,
agozviratidza pakubwinya kwake.
Mapisarema 102:16
Tarirai Zioni, iro guta remitambo yedu; meso
enyu achaona Jerusarema, ugaro hworunyararo,
tende risingazozungunuswi; . . . Asi Jehovha
achava Wamasimba Ose kwatiri. . . . Jehovha
ndiye mambo wedu; ndiye achatiponesa.
Isaya 33:20–22
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy