Munhu wese akazvarwa panyika ino, saSoromoni naJobho, aimbova ngirozi yaigara muumambo hwekudenga. Tinodzidziswa kuti upenyu panyika ino hwakazara nekushanda nesimba nekusuwa nekuti ndiyo nzvimbo yakakandirwa ngirozi, dzaimbogara mukubwinya naMwari kudenga, mushure mekuita chivi chikuru chinotungamira kurufu.
Nhasi uno, Iye akadzoreredza Pasika yesungano itsva yakarasika haasi mumwe kunze kwaMwari wedu. Izvi zvinodaro nekuti Pasika yesungano itsva ndiyo sungano yakagadzwa naJesu kuburikidza nechibayiro chake pamuchinjikwa, kuitira kuti vanhu vese vagoregererwa zvivi zvavo zvinotungamirira kurufu—zvivi zvavakaita kudenga—vadzokere kuumambo hwekudenga.
Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari... vaEfeso 1:7
Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. vaRoma 6:23
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy