MuTalmud, mune nyaya yemwanakomana anoziva chakavanzika chiri muwiri rababa vake uye anodya nhaka yepfuma yababa vake. Kuti vanhu vagare nhaka yeumambo hwekudenga hunobwinya, vanofanira kunzwisisa mashoko aKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, ari mumabhuku 66 eBhaibheri.
Muprista mukuru chete ndiye aikwanisa kupinda muNzvimbo Tsvene-tsvene, uye pazuva rimwe chete roga pagore. Zuva iri raiva Zuva Rokuyananisira. Jesu paakafa, chidzitiro chenzvimbo tsvene chakabvaruka uye nzira inoenda muNzvimbo Tsvene-tsvene yakazarurwa.
Kubva zvino zvichienda mberi, vanhu vanofanira kuendesa chivi chorufu chavakapara kudenga kuna Satani, uyo anomirirwa nembudzi yokutakudzwa. Uye kuitira kuti pagoitwa yananisiro yokusingaperi, vanofanira kuuya kuna Mwari Mai, vanova chokwadi cheNzvimbo Tsvene-tsvene.
Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. . . .
Mateo 27:50–51
Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.
Zvakazarurwa 21:22
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy