Munguva yeBhabhironi pakararama Dhanieri, Mwari akaprofita pamusoro peumambo hwaizomuka munguva yaizotevera, hwakaita seMedhia-Pezhia, Girisi, neRomu. Uyewo, Mwari akapupurira kuti Bhaibheri rinotungamirira sainzi. Kubudikidza nezvinhu izvi, Mwari aida kuti vanhu vatende uye vave netariro yeumambo hwekudenga hunobwinya uko vachapinda mune ramangwana.
Zvinhu zvose zvakazadziswa maererano nezviprofita zveBhaibheri—upenyu hwaKristu Akauya Kekutanga, zviprofita pamusoro paKristu Akauya Kechipiri Ahnsahnghong naMwari Mai, uye kusununguka kweIsraeri muna 1948. Panewo zviprofita izvo Mwari akasiira vanhu, vari mungozi nekuda kwenjodzi dzakasiyana-siyana uye matambudziko emamiriro okunze. Mwari akati vanhu vanofanira kukurumidza kupinda muZioni, kwavanokwanisa kupunyuka njodzi.
Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
2 Petro 3:6–7
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy