Apo Apostora Johani akaona chimiro chisina
kunaka cheapo vanhu vose vaizoenda kugehena,
akachema. Zvisinei, mumwe wevakuru akati
kwaari, “Munguva inouya, Mudzi waDhavhidhi
achazarura Bhaibheri rakanamwa uye oponesa vanhu.”
Kristu Ahnsahnghong akabhabhatidzwa ane makore
30 ekuberekwa, maererano neupenyu
hwaDhavhidhi, akazadzisa makore 37 akanga
asara, uye akazivisa sungano itsva
nezvakavanzika zveBhaibheri rakanga rakanamwa,
kusanganisira chokwadi chaMai vedu vekudenga.
Sezvo zvakavanzika zveBhaibheri zvichikwanisa
kuzarurwa naDhavhidhi chete, vanhu vanofanira
kusangana naDhavhidhi. Kristu Ahnsahnghong,
uyo akauya saDhavhidhi, akadzidzisa vanhu
nezveumambo hwekudenga husingaperi,
panzvimbo pezvinhu zveupenyu huno
zvenguva pfupi. Uyezve, akadzidzisa
nezveuvepo hwaMwari Mai, Evha wepamweya,
vakanga vakavanzika mukati meurongwa hwaMwari.
Naizvozvo, marudzi ose achaenda kuKereke
yaMwari kunogara Mwari Mai.
Ndakachema nokuchema kukuru nokuti
hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira
kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira
mukati maro. Ipapo mumwe wavakuru akati
kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba
yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi,
akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku
rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”
Zvakazarurwa 5:4–5
Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete
uye shure kwaizvozvo agotongwa,
saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete
kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye
achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi,
asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
VaHebheru 9:27–28
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy