Muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa unosvitsa kurufu, uye muti woupenyu unounza upenyu husingaperi. Mubindu reEdheni, Adhamu naEvha vakadzingwa ndokusvika pakufa nekuti vakadya kubva pamuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. Nhoroondo iyi inoratidza kuti vanhu vakatemerwa kufa nokuti vakatadza kudenga.
Makore zviuru zviviri apfuura, Jesu akauya pasi pano kuzoponesa vanhu. Uye munguva yaMweya Mutsvene, Kristu Ahnsahnghong akauya pasi pano uye akatipa upenyu husingaperi kubudikidza nePasika yesungano itsva, inova chokwadi chemuti woupenyu.
Pamusoro pazvo, Kristu Ahnsahnghong, uyo akaunza muti woupenyu, ndiye Gota reZioni rakaprofitwa mubhuku raMika. Akatizivisa kuti kuponeswa kwokupedzisira kwevanhu kwakarerekera pana Mwari Mai.
Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.”
Genesisi 3:22
Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi, . . .”
Johani 6:53–54
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy