Chivi chekudya kubva pamuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa chinopfuudzirwa kuvanhu kubva kuna Adhamu naEvha mubindu reEdheni. Kuti vanhu vasunungurwe pachivi, vanoda chokwadi chemuti woupenyu uyo unogonesa vanodya pauri kuwana upenyu husingaperi. Avo chete vanoziva kuzvipira uye rudo rwaKristu Ahnsahnghong naMai vekudenga, avo vakaunza muti woupenyu, uye vochengeta chokwadi ichi nemwoyo wese, ndivo vanokwanisa kusunungurwa kubva kuchivi cherufu.
Chivi cherufu, icho chakagamuchirwa senhaka kubva kuna Adhamu, chinofanira kubviswa pavanhu vanoda kuponeswa uye kupinda muumambo hwekudenga.
Naizvozvo, Kristu Ahnsahnghong akauya pasi pano kechipiri uye akaunza Pasika yesungano itsva, chokwadi chemuti muti woupenyu, kuti aregerere zvivi zvevanhu vese uye avape nhaka yeumambo hwekudenga.
Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi.
1 Johani 2:25
Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake hamuna upenyu mamuri. Anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ano upenyu husingaperi, . . .”
Johani 6:53–54
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy