Apo Jesu, Mwari Wamasimba Ose, akauya ari panyama kuzoponesa vanhu, vanhu vazhinji vakamuzvidza. Zvisinei, paive nevaimukudza vakaita semukadzi akadira mafuta anonhuwira musoro waJesu, mukuru wezana, mukadzi airwara nechirwere chekubuda ropa, uye Zakeo.
Vatsvene veKereke yeKutanga vakagamuchira Jesu nokutenda kwakadaro, uye sokumugamuchira kwavakaita, vakagamuchirawo chipo cheMweya Mutsvene wenyasha.
Vatendi veKereke yaMwari vanotenda kuti Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai ndivo vaponesi vakauya maererano nechiprofita chinoti, “Mwari achauya saMweya noMwenga munguva yaMweya Mutsvene,” uye vanovaremekedza. Mwari anovapa Mweya Mutsvene wemvura yekupedzisira, wakawanda kudarika weKereke yeKutanga, zvichitungamirira kubasa rinoshamisa rinoita kuti vanhu vakudze Mwari pasi rose.
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy