Kufanana nekunyudza hondo yevaIjipita muGungwa Dzvuku uko Mwari akaita, akaparadza simba rechivi ndokupa vanhu tariro yekumuka kubva kuvafi paZuva Rokumuka Kubva Kuvafi. Ndiro zuva iro Jesu pachake akaratidza kuti tichashandurwa kubva mumuviri wepanyama kuva nemuviri wepamweya.
Zuva rakafushirwa hondo yeIjipita muGungwa Dzvuku uye vaIsraeri vakabuda muGungwa Dzvuku raiva musi weSvondo. Naizvozvo, kuti tirangarire zuva iri, Zuva reZvibereko Zvokutanga muTestamende Yakare rakatarwa uye raichengetwa nomusi weSvondo nguva dzose. Maererano nouprofita hwacho, Jesu Kristu akava chibereko chokutanga chavavete uye akamutswa kubva kuvafi nomusi weSvondo.
Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu, uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
VaFiripi 3:20–21
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy